MAPISAREMA21sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu.Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!
2Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake,uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera3Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma,uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.4Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuvamazhinji, nokusingaperi-peri.5Kubudikidza nokukunda kwamakamupa,kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.6Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi,mukamufadza nomufaro pamberi penyu.7Nokuti mambo anovimba naJehovha;nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro,iye haangazungunuswi.
8Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose;ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.9Panguva yokuonekwa kwenyumuchavaita sevira romoto.Jehovha achavamedza nehasha dzake,uye moto wake uchavaparadza.10Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika,vana vavo kubva pakati pavanhu.11Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyunokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;12nokuti muchaita kuti vafuratire,pamuchavananga nouta hwakawemburwa.
13Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu;tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.