MAPISAREMA147sna_bib
1Rumbidzai Jehovha.Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!2Jehovha anovaka Jerusarema;anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,uye anosunga maronda avo.4Anotara kuwanda kwenyeredzi,anodana imwe neimwe nezita rayo.5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;kunzwisisa kwake hakuperi.6Jehovha anotsigira vanozvininipisa,asi anowisira pasi vakaipa.7Imbirai Jehovha nokuvonga;muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.8Anofukidza denga namakore;anopa nyika mvura,uye anomeresa uswa pazvikomo.9Anopa mombe zvokudyanavana vamakunguo pavanochema.10Mufaro wake hausi musimba rebhiza,uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.14Anopa rugare pamiganhu yako,uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.15Anotuma murayiro wake kunyika;shoko rake rinomhanya kwazvo.16Anowarira chando samakushe amakwai,uye anoparadzira chando samadota.17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.Ndianiko angamira kana chando chake charova?18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.19Akazarurira Jakobho shoko rake,mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;havazivi mirayiro yake.Rumbidzai Jehovha.