MAPISAREMA142sna_bib

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.

1Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.2Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.
3Mweya wangu paunoziya mandiri,imi ndimi munoziva nzira yangu.Munzira mandinofamba,vanhu vakandivanzira misungo.4Tarirai kurudyi rwangu mugoona;hakuna ane hanya neni.Handina utiziro;hakuna ane hanya noupenyu hwangu.
5Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,“Ndimi utiziro hwangu,nomugove wangu munyika yavapenyu.”6Teererai kuchema kwangu,nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,nokuti vanondikurira simba.7Ndibudisei mutorongo,kuti ndirumbidze zita renyu.Ipapo vakarurama vachandipoteredzanokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.