MAPISAREMA137sna_bib
1Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema,patakarangarira Zioni.2Pamikonachando apondipo patakaturika mbira dzedu,3nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo,vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati,“Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”4Tingaimba seiko nziyo dzaJehovhatiri munyika yokumwe?5Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema,ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.6Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu,kana ndikasakurangarira iwe,kana ndisingafungi Jerusarema,iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.7Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu,pazuva rakawa Jerusarema.Vakati, “Rikoromorei! Rikoromoreikusvikira panheyo dzaro!”8Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa,achafara munhu uyo achatsivakwauri zvawakaita kwatiri,9iye achatora pwere dzakoagodzirovera pamatombo.