MAPISAREMA133sna_bib
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
1Zvakanaka uye zvinofadza seikana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!2Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,anoerera kundebvu,anoerera kundebvu dzaAroni,anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.3Zvinoita sokuti dova reHerimoniriri kuwira pamusoro peGomo reZioni.Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,ihwo upenyu husingaperi-peri.