MAPISAREMA132sna_bib
Rwiyo rworwendo.
1Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhinamatambudziko ake ose aakasangana nawo.2Akapika mhiko kuna Jehovha,akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,3“Handingapindi mumba mangukana kuenda kundovata pamubhedha wangu,4handingatenderi hope mumaziso angu,kana kutsumwaira mumeso angu,5kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha,nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”6Takazvinzwa muEfurata,takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,7“Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara;ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,8haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora,imi neareka yesimba renyu.9Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama;dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”10Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu,musaramba muzodziwa wenyu.11Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi,mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti,“Mumwe wechizvarwa chakondichamugadza pachigaro chako choushe,12kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangunezvandakatema zvandakavadzidzisa,ipapo vanakomana vavovachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”13Nokuti Jehovha akasarudza Zioni,akarida kuti huve ugaro hwake achiti,14“Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri;ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,15ndichariropafadza nezvakawanda;ndichagutsa varombo varo nezvokudya.16Ndichafukidza vaprista varo noruponeso,uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.17“Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi,uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.18Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi,asi korona yake ichabwinya kwazvo.”