MAPISAREMA131sna_bib

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,meso angu haana manyawi;handina hanya nezvinhu zvikurukana zvinhu zvinonyanya kushamisa.2Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;somwana akarumurwa namai vake,somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
3Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,kubva zvino nokusingaperi.