MAPISAREMA130sna_bib
Rwiyo rworwendo.
1Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,ndiri pakadzika;2haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.3Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,haiwa Jehovha, ndianiko aimira?4Asi kwamuri kune kukanganwira;naizvozvo imi munotyiwa.5Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,uye tariro yangu iri mushoko rake.6Mweya wangu unorindira Ishekupfuura varindivanomirira rungwanani.7Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,nokuti Jehovha ane rudo rusingaperiuye kwaari kune dzikinuro izere.8Iye pachake achadzikinura Israerikubva pazvivi zvavo zvose.