MAPISAREMA128sna_bib

Rwiyo rworwendo.

1Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,vanofamba munzira dzake.2Uchadya chibereko chokushanda kwako;maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.3Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,pakati peimba yako;vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,vakakomberedza tafura yako.4Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,anotya Jehovha.
5Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,mazuva ose oupenyu hwenyu;muone henyu kubudirira kweJerusarema,6uye murarame kuti muone vana vavana venyu.Rugare ngaruve pana Israeri.