MAPISAREMA124sna_bib

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1Israeri ngaatidai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,2dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedupatakarwiswa navanhu,3apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,vangadai vakatimedza tiri vapenyu;4mafashamu angadai akatifukidza,mvura zhinji ingadai yakatikukura,5mvura zhinji ine hashaingadai yakatirasira kure.
6Jehovha ngaarumbidzwe,asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.7Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,Muiti wedenga nenyika.