MAPISAREMA121sna_bib

Rwiyo rworwendo.

1Ndinosimudzira meso angu kumakomo,kubatsirwa kwangu kunobvepiko?2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,muiti wokudenga napasi.
3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,muchengeti wako haangakotsiri;4zvirokwazvo, muchengeti waIsraerihaangakotsiri kana kuvata.
5Jehovha anokurinda,Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;6zuva haringakubayi masikati,kana mwedzi usiku.
7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,iye acharinda upenyu hwako;8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,kubva zvino uye nokusingaperi.