MAPISAREMA113sna_bib
1Rumbidzai Jehovha.Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,rumbidzai zita raJehovha.2Zita raJehovha ngarirumbidzwe,kubva zvino kusvikira narini.3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.4Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.5Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,6anokotamira pasi kuti aonezviri kudenga napanyika?7Anosimudza murombo kubva muguruva,uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;8anovagadza namachinda,namachinda avanhu vavo.9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,samai vavana vanofara.Rumbidzai Jehovha.