MAPISAREMA111sna_bib

1Rumbidzai Jehovha.Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,padare ravakarurama nepagungano.
2Mabasa aJehovha makuru;anorangarirwa navose vanofara maari.3Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.4Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;Jehovha ane nyasha nengoni.5Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;anorangarira sungano yake nokusingaperi.6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.7Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,mitemo yake yose yakavimbika.8Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,yakaitwa mukutendeka nokururama.9Akapa dzikinuro kuvanhu vake;akasimbisa sungano yake nokusingaperi,zita rake idzvene uye rinotyisa.
10Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.