MAPISAREMA110sna_bib
Pisarema raDhavhidhi
1Jehovha akati kuna She wangu,“Gara kuruoko rwangu rworudyi,kusvikira ndaita vavengi vakochitsiko chetsoka dzako.”2Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;uchatonga pakati pavavengi vako.3Mauto ako achazvipirapazuva rako rehondo.Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,kubva pachizvaro chamambakwedzauchagamuchira dova roujaya hwako.4Jehovha akapika,uye haangashanduki, achiti,“Iwe uri muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”5Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.6Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,uye achiparadza vatongi venyika yose.7Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;naizvozvo achasimudza musoro wake.