Zvirevo22sna_bib
1Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji;kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.2Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi:Jehovha ndiye Musiki wavo vose.3Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda,asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.4Kuzvininipisa nokutya Jehovhakunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.5Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo,asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.6Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.7Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo,uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.8Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko,uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.9Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa,nokuti anopa varombo zvokudya zvake.10Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo;kupopotedzana nokutukana kunoguma.11Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka,achava shamwari yamambo.12Meso aJehovha anorinda zivo,asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.13Simbe inoti, “Panze pane shumba,”kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”14Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika;uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.15Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.16Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yakenouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.