Numeri24sna_bib
1Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.2Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake3uye akataura chirevo chake achiti:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,4chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose,anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.5“Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho,nougaro hwako, iwe Israeri!6“Semipata, vakaita fararira,samapindu pedyo norwizi,segavakava rakasimwa naJehovha, ssemisidhari pedyo nemvura.7Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo;mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi;umambo hwavo huchasimudzirwa.8“Mwari akavabudisa muIjipiti;vane simba renyati.Vanomedza ndudzi dzine hashauye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo;Vanovabaya nemiseve yavo.9Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi,seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzweuye vose vanokutuka, ngavatukwe!”10Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.11Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”12Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,13‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’?14Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”