Nahumi2sna_bib

Ninevhe richawa

1Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe;rindai nhare,tarirai kunzira,sungai zviuno zvenyu,unganidzai simba renyu rose!2Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobhosokurumbidzwa kwaIsraeri,kunyange vaparadzi vakavaparadzauye vakaparadza mizambiringa yavo.
3Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka;mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku.Matare engoro ovaimapazuva rokugadzirirwa kwadzo;mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa.4Ngoro dzovirima mumigwagwa,dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara.Dzinoita samazhenje omoto;dzinomhanya-mhanya semheni.
5Anodana mauto ake akasarudzwa,asi vanogumburwa panzira yavo.Vanomhanyira kurusvingo rweguta;nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo.6Masuo enzizi azarurwauye muzinda wamambo wakoromoka.7Shoko ratemwa rokuti gutaritapwe, uye riendeswe kure.Varandakadzi varo vanochema senjivauye vanorova zvipfuva zvavo.8Ninevhe rakafanana nedziva,uye mvura yaro iri kuerera ichipera.Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!”asi hapana anocheuka.9Pambai sirivha!Pambai goridhe!Kuwanda kwazvo hakuperi,ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!10Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose!Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera,miviri yobvunda, zviso zvose zvachenuruka.
11Riripiko bako reshumba,nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya,kwaienda shumba nehadzi yayo,uye navana, pasina chokutya.12Shumba yaiuraya zvaikwanira vana vayouye yakadzipira hadzi yayo nyama,ichizadza mapako ayo nezvayakaurayauye mapako ayo nenyama.
13“Ndine mhaka newe,”ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.“Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi,uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku.Ndichakusiyai musina nyama panyika.Mazwi enhume dzako haangazonzwikazve.”