Kuungudza kwaJeremia4sna_bib
1Haiwa, goridhe rasviba sei,goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei!Matombo matsvene aparadzirwakumusoro kwenzira imwe neimwe.2Haiwa vanakomana vanokosha veZioni,kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe,zvino voonekwa sehari dzevhu,iro basa ramaoko omuumbi wehari!3Kunyange makava anopa mazamu awokuti anwise vana vawo,asi vanhu vangu vava vasina hanyaseshiri dzemhou dziri mugwenga.4Nokuda kwenyota rurimi rwomwana muchecherunonamira mumukanwa make;vana vanopemha chingwa,asi hakuna anovapa.5Avo vaisidya zvinonakavava vapemhi mumugwagwa.Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuruzvino vava kuvata pamadurunhuru edota.6Kurangwa kwavanhu vangukukuru kupinda kweSodhomu,rakaparadzwa pakarepopasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.7Machinda avo aipenya kupfuura chando,uye akanga akachena kupfuura mukaka,miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi,kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.8Asi zvino vasviba kupfuura chinʼai;hapana angavaziva mumigwagwa.Ganda ravo ranamira pamapfupa avo;raoma zvokufanana nedanda.9Avo vakaurayiwa nomunondo vari nanipane avo vanourayiwa nenzara;vabayiwa nenzara, vaonda kwazvonokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.10Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyorovakabika vana vavo,vakava zvokudya zvavo,pakaparadzwa vanhu vangu.11Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose;akadurura hasha dzake dzinotyisa.Akabatidza moto paZioniakapisa nheyo dzaro.12Madzimambo enyika haana kutenda,kunyange navanhu vose vagere panyika,kuti vavengi vangapindapamasuo eJerusarema.13Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varouye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo,vakateura roparavakarurama mukati maro.14Vanodzungaira munzira dzarosavarume mapofu.Vakasvibiswa neropazvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.15Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena!Ibvai! Ibvai! Musatibata!”Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo,vanhu pakati pendudzi vanoti,“Havangarambi vachigara pano.”16Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira;haachavachengetedza.Havana kukudza uprista,uye havana kuremekedza vakuru.17Meso edu oonera madzerere,tichitarisira rubatsiro rusingauyi;tiri pashongwe dzedu takatarisirarudzi rwaizotiponesa.18Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda,zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo.Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera,nokuti magumo akanga asvika.19Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuuramakondo okudenga;vakatidzinganisa napamusoro pamakomouye vakatigaririra murenje.20Muzodziwa waJehovha, iye mweya wedu wokufema chaiwo,akanga abatwa mumisungo yavo.Takafunga kuti mumumvuri waketaizorarama pakati pendudzi.21Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu,iwe unogara munyika yeUzi.Asi newewo uchapiwa mukombe uyu;uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.22Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma;haangawedzeri mazuva ako outapwa.Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chakoagoratidza kuipa kwako.