Kuungudza kwaJeremia3sna_bib

1Ndini munhu akaona kutambudzikaneshamhu yehasha dzake.2Akandidzingira kure akaita kuti ndifambemurima panzvimbo yomuchiedza;3zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwisenguva nenguva, zuva rose.
4Akasakadza ganda rangu nenyama yanguuye akavhuna mapfupa angu.5Akandikomba akandipoteredzaneshungu nokurwadziswa.6Akandigarisa murimasavanhu vakafa kare kare.
7Akandipfigira kuti ndisapunyuka,akandiremedza nengetani.8Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe,anopfigira munyengetero wangu kunze.9Akadzivira nzira yangu namatombo;akaminamisa nzira dzangu.
10Sebere rakavandira,seshumba yakavanda,11akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvaruraakandisiya ndisina mubatsiri.12Akawembura uta hwakeakandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
13Akabaya mwoyo wangunemiseve yaibva mugoba rake.14Ndakava chiseko chavanhu vangu vose;vakandihomera nenziyo pazuva rose.15Akandigutsa nemiriwo inovava,uye akandinwisa nduru.
16Akagura mazino angu nerukangarabwe;akanditsokodzera muguruva.17Ndakatorerwa rugare;ndakakanganwa kuti kubudirira chii.18Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda,uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu,kurwadziwa uye nenduru.20Ndinozvirangarira kwazvo,uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.21Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwauye naizvozvo ndine tariro:
22Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa,nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.23Itsva mangwanani oga oga,kutendeka kwenyu kukuru.24Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu;naizvozvo ndichamumirira.”
25Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,kumunhu anomutsvaka;26chinhu chakanaka kumiriraruponeso rwaJehovha unyerere.27Chinhu chakanaka kuti munhu atakure jokoachiri mudiki.
28Ngaagare ari oga anyerere,nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.29Ngaavige chiso chake muguruva,zvimwe tariro ichiripo.30Ngaape dama rake kumunhu anomurova,uye ngaazadzwe nenyadzi.
31Nokuti vanhu havangaraswinaIshe nokusingaperi.32Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi,rukuru sei rudo rwake rusingaperi.33Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwakana kusuwa kuvana vavanhu.
34Kutsikira pasi petsokavasungwa vose venyika,35kurambira munhu kodzero yakepamberi peWokumusoro-soro,36kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwakeko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37Ndiani angataura akaita kuti zviitikekana Ishe asina kuzvirayira?38Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro herezvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?39Ko, munhu mupenyu anonyunyutireikana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
40Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei,uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.41Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edukuna Mwari ari kudenga, tigoti:42“Takatadza uye takakumukiraiuye imi hamuna kukanganwira.
43“Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira;makauraya musinganzwiri ngoni.44Makazvifukidza negorekuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.45Makatiita marara netsvinapakati pendudzi.
46“Vavengi vedu vose vakashama miromo yavokwazvo kuti vatituke.47Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza,kuparara nokuparadzwa kukuru.”48Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu,nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
49Meso angu acharamba achiyerera misodzi,pasina zvinoyamura,50kusvikira Jehovha aringira pasikubva kudenga akaona.51Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu,nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
52Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzerovakandivhima seshiri.53Vakaedza kundiuraya mugombauye vakapotsera matombo kwandiri;54mvura zhinji yakafukidza musoro wangu,uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55Ndakadana zita renyu, imi Jehovha,ndiri mugomba rakadzika.56Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyupandinochemera rubatsiro.”57Makaswedera pedyo pandakakudanai,mukati, “Usatya.”
58Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu;makadzikinura upenyu hwangu.59Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa.Nditongerei mhaka yangu!60Makaona udzamu hwokutsva kwavo,idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
61Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo,idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,62dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangupamusoro pangu zuva rose.63Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira,vanondituka nenziyo dzavo.
64Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha,zvakaitwa namaoko avo.65Isai chidziro pamwoyo yavo,uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!66Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze,vabve pasi pamatenga aJehovha.