Kuungudza kwaJeremia1sna_bib

1Ko, muguta zvamusisina vanhu,iro rakanga rizere navanhu!Zvarangova sechirikadzi,iro rakanga riri guru pakati pendudzi!Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika,zvino rava nhapwa.
2Rinochema zvikuru usiku,misodzi iri pamatama aro.Pakati pavadiwa varo vosehakuna anorivaraidza.Shamwari dzaro dzose dzarimukira;dzava vavengi varo.
3Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara,Judha akaenda kuutapwa.Anogara pakati pendudzi;haawani nzvimbo yokuzorora.Vose vaimudzinganisa vakamubataari pakati pokutambudzika kwake.
4Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema,nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa.Masuo aro ose haasisina vanhu,vaprista varo vanogomera,varandakadzi varo vanochema,uye iro riri pakurwadziwa kukuru.
5Vavengi varo ndivo vava vatongi varo;vavengi varo vagere zvakanaka,Jehovha akarivigira kutambudzikanokuda kwezvivi zvaro zvizhinji.Vana varo vakaenda kuutapwa,vava nhapwa pamberi pavavengi.
6Kuyevedza kwose kwabvapaMwanasikana weZioni.Machinda aro aita senondodzashayiwa mafuro.Mukushayiwa simba vakatizapamberi peanovadzinganisa.
7Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro,Jerusarema rinorangarira pfuma yoseyakanga iri yaro pamazuva akare.Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi,rakashaya anoribatsira.Vavengi varo vakaritarisa,vakariseka pakuparadzwa kwaro.
8Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo,naizvozvo rasvibiswa.Vose vairikudza vorizvidza,nokuti vakaona kushama kwaro;iro pacharo rinogomera,richidzokera shure.
9Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro;harina kurangarira ramangwana raro.Kuwa kwaro kwakashamisa;hakuna akarinyaradza.“Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu,nokuti muvengi akunda.”
10Muvengi akatorapfuma yaro yose;rakaona ndudzi dzechihedhenidzichipinda panzvimbo yaro tsvene,avo vamakanga madzivisakupinda paungano yenyu.
11Vanhu varo vose vanogomerapavanotsvaka chingwa;vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudyakuti vazviraramise.“Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire,nokuti ndava munhu akazvidzwa.”
12“Hamuna hanya here, imi mose munopfuura?Tarirai pose pose muone.Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here,kwakaiswa pamusoro pangu,kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangupazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?
13“Akatuma moto kubva kumusoro-soro,akautumira mumapfupa angu.Akateya makumbo angu nomumbureuye akandidzosera shure.Akandisiya ndisina chinhu,ndikapera simba zuva rose.
14“Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko;namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete,zvauya pamutsipa wanguuye Ishe apedza simba rangu.Akandiisa mumaoko avanhuvandisingagoni kukunda.
15“Ishe akarambamhare dzose dziri pakati pangu;akakokera hondo kuzondirwisakuzopwanya majaya angu.Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudhamuchisviniro chake chewaini.
16“Ndokusaka ndichichemauye maziso angu achierera misodzi.Hapana ari pedyo kuti andinyaradze,hakuna anovandudza mweya wangu.Vana vangu vari kutambudzikanokuti muvengi akunda.”
17Zioni rinotambanudza maoko aro,asi hakuna munhu anorinyaradza.Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho,kuti vavakidzani vake vave vavengi vake;Jerusarema ravachinhu chisina kunatswa pakati pavo.
18“Jehovha akarurama,asi ini ndakamukira murayiro wake.Inzwai, imi vanhu mose;onai kutambudzika kwangu.Majaya angu navarandakadzi vanguvakaenda kuutapwa.
19“Ndakadana kushamwari dzanguasi vakandipandukira.Vaprista vangu navakuru vanguvakafira muguta,pavakanga vachitsvaka zvokudyakuti vazviraramise.
20“Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu!Ndiri kurwadziwa mukati mangu,uye ndakakanganisika mumwoyo mangu,nokuti ndakakumukirai zvikuru.Kunze, munondo unondiurayira hama;mukati, munongova norufu.
21“Vanhu vakanzwa kugomera kwangu,asi hakuna anondinyaradza.Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu;vanofara nezvamakaita.Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisakuti vagofanana nemi.
22“Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu;muvaitiresezvamakaita kwandirinokuda kwezvivi zvangu zvose.Kugomera kwangu kwawanda,uye mwoyo wangu wapera simba.”