Joshua12sna_bib

Madzimambo akakundwa

1Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
2Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.3Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.4Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.5Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
6Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
7Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,8nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):
9mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete10mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete11mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete12mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete13mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete14mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete15mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete16mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete17mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete18mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete19mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete20mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete21mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete22mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete23mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete24mambo weTiriza mumwe chete, madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.