Jona
2
/
sna_bib
Munyengetero waJona
1
Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.
2
Akati:
“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,
iye akandipindura.
Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,
uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3
Makandikandira makadzika,
mumwoyo chaimo megungwa,
uye mvura zhinji ikandikomberedza;
mafungu enyu ose namapopoma enyu ose
zvakapfuura napamusoro pangu.
4
Ndakati, ‘Ndaraswa kubva
pamberi penyu,
asi ndichatarirazve ndakaringa
kutemberi yenyu tsvene.’
5
Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;
pakadzikadzika pakandikomberedza;
sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6
Kumidzi yamakomo ndakanyura;
nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.
Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,
imi Jehovha Mwari wangu.
7
“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,
ndakakurangarirai, imi Jehovha,
uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,
kutemberi yenyu tsvene.
8
“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,
vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9
Asi ini, norwiyo rwokuvonga,
ndichabayira kwamuri.
Zvandakapika ndichazvizadzisa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10
Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
share
Share
chevron_right
Next Chapter