Jobho42sna_bib
1Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:2“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.3Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi,zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.4“Mati imi, ‘Chinzwa zvino,uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe,uye iwe uchandipindura.’5Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu,asi zvino meso angu akuonai imi.6Naizvozvo ndinozvishora pachangu,uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”