Jobho35sna_bib

1Ipapo Erihu akati:2“Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’3Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
4“Ndinoda kupindura iweneshamwari dzako dzaunadzo.5Tarira kumatenga uone;nanʼanidza makore ari pamusoro pako.6Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko?Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?7Kana wakarurama, unomupeiko iye,kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?8Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe,uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
9“Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa;vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.10Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu,anopa nziyo panguva yousiku,11anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyikauye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’12Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere,nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.13Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo;Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.14Ndoda, zvino, haangateererikana uchiti hausi kumuona,mhaka yako iri pamberi pakezvokuti unofanira kumumirira,15uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi,uye haana hanya zvake nezvakaipa.16Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo;anowanza mashoko ake asina zivo.”