Jobho18sna_bib

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:2“Muchapedza kutaura uku riiniko?Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.3Tinobatirweiko semombeuye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?4Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
5“Mwenje weakaipa unodzimwa;murazvo womoto wake unopera kupisa.6Chiedza chiri mutende rake chinova rima;mwenje uri parutivi pake unodzima.7Simba renhambwe dzake rinorukutika;mano ake pachake anomuwisira pasi.8Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,uye anodzungaira ari mumaburi awo.9Musungo unomubata chitsitsinho;rugombe runomubatisisa.10Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;musungo wakaradzikwa munzira yake.11Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.12Pfumvu inomudokwairira;njodzi yakamugaririra paanowa.13Inodya zvikamu zveganda rake;dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.14Anodzurwa kubva patende raanovimba naroagoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.15Moto unogara mutende rake;safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.16Moto unogara mutende rake;uye matavi ake anosvava kumusoro.17Kurangarirwa kwake kunopera panyika;haana zita munyika.18Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,uye anodzingwa panyika.19Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,hakuna akasara kwaaimbogara.20Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.21Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”