Jobho16sna_bib
1Ipapo Jobho akapindura akati:2“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;mose muri vanyaradzi pasina!3Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?4Neniwo ndaigona kutaura semi,dai imi manga muri pachinzvimbo changu;ndaigona kutaura mashoko okukupikisaiuye ndigokudzungudzirai musoro wangu.5Asi muromo wangu waizokukurudzirai:kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.6“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.7Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;maparadza imba yangu yose.8Makandisunga ini, uye chava chapupu;kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.9Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,uye anondirumanyira meno ake;mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.10Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;vanondirova padama pakundimhura kwavo,uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.11Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,uye akandikanda mumaoko avakashata.12Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.Akandivavarira;13vapfuri vake vemiseve vakandikomba.Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,uye anodururira nduru yangu pasi.14Nguva nenguva anondirwisa;anondidzingirira somurwi.15“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,uye ndaviga huma yangu muguruva.16Chiso changu chatsvuka nokuchema,rima guru rakomberedza meso angu;17asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,uye munyengetero wangu wakachena.18“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!19Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;murevereri wangu ari kumusoro.20Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;21anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,somunhu anokumbirira shamwari yake.22“Makore mashoma bedzi asara,ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.