Jobho10sna_bib

1“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo,naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangundigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.2Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosvaasi mundiudze mhaka yangu nemi.3Ko, kundimanikidza kunokufadzai,kuti muzvidze basa ramaoko enyu,muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?4Ko, imi muna meso enyama here?Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?5Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa,kana makore enyu samakore omunhu,6kuti muongorore mhosva yanguuye mutsvage chivi changu,7kunyange muchiziva kuti handina mhosva,uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
8“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira.Zvino modzoka kuzondiparadza here?9Rangarirai kuti makandiumba sevhu.Zvino mondidzoserazve kuvhu here?10Hamuna kundidurura somukaka hereuye mukandigwambisa sechizi,11mukandifukidza neganda nenyamamukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?12Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni,uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
13“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu,uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.14Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa,uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.15Kana ndine mhosva, ndine nhamo!Kunyange dai ndisina mhosva,handingasimudzi musoro wangu,nokuti ndizere nenyadziuye ndakanyura mukutambudzika kwangu.16Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba,uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.17Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosvauye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu,hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
18“Ko, zvino makandibudisirei mudumbu?Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.19Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu,kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!20Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here?Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,21ndisati ndaenda kusingadzokwi,kunyika yerima nomumvuri wakadzama,22kunyika yerima guru,yomumvuri wakadzama nenyonganyonga,iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”