Jeremia9sna_bib
1Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvurauye meso angu riri tsime remisodzi!Ndingadai ndaichema masikati nousikunokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.2Haiwa, dai ndaiva nenzvimbomugwenga yokugara yavafambi,kuitira kuti ndisiye vanhu vangundiende kure navo;nokuti vose imhombwe,ungano yavanhu vasina kutendeka.3“Vanokunga rurimi rwavo souta,kuti vapfure nhema;havaiti nechokwadipakukunda kwavanoita munyika.Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe;havandizivi ini,”ndizvo zvinotaura Jehovha.4“Chenjererai shamwari dzenyu;musavimba nehama dzenyu.Nokuti hama ipi neipi inonyengera,uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.5Shamwari inonyengera shamwari,uye hakuna anotaura chokwadi.Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema;vanozvinetsa nokuita zvakaipa.6Munogara pakati pounyengeri;mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,”ndizvo zvinotaura Jehovha.7Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Tarirai, ndichavanatsauye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaitanokuda kwechivi chavanhu vangu?8Rurimi rwavo museve unouraya;runotaura nokunyengera.Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake,asi mumwoyo make anomuteyera musungo.9Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ko, handingazvitsiviripamusoro porudzi rwakadai here?”10Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kwamakomo,uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga.Aparara uye hakuna anofambako,uye kukuma kwemombe hakunzwiki.Shiri dzedenga dzatiza,uye mhuka dzaenda.11“Ndichaita Jerusarema murwi wedongo,panogara makava;uye ndichaparadza maguta eJudha,kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”12Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?13Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo, havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu.14Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”15Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura.16Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”17Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye;danai vanogonesesa pakati pavo.18Ngavakurumidze kuuyavagochema pamusoro pedukusvikira maziso edu ayerera misodzi,nzizi dzoyerera mumaziso edu.19Maungira okuchema anonzwika kubva kuZioni achiti:‘Haiwa taparadzwa sei!Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei!Tinofanira kusiya nyika yedunokuti dzimba dzedu dzava matongo.’ ”20Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha;dziurai nzeve dzenyu dzinzwe mashoko omuromo wake.Dzidzisai vanasikana venyu kuungudza;dzidzisanai kuchema.21Rufu rwakapinda napamawindo eduuye rwapinda munhare dzedu;rwauraya vana mumigwagwanamajaya ari munzira dzeguta.22Uti, “Zvanzi naJehovha:“ ‘Zvitunha zvavanhu zvichavatasomupfudze uri pamusoro pomunda,sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki,zvisina achazviunganidza.’ ”23Zvanzi naJehovha:“Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake,kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake,kana akapfuma pamusoro pepfuma yake,24Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi:kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini,kuti ndini Jehovha, anoita unyoro,nokukururamisira, nokururama panyika,nokuti ndinofarira izvozvi,”ndizvo zvinotaura Jehovha.25“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete,26Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”