Jeremia8sna_bib

1“ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.2Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.3Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

Chivi noKurangwa

4“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:“ ‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here?Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?5Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure?Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka?Vanobatirira pakunyengera,vanoramba kudzoka.6Ndakanyatsoteereresa,asi ivo havambotauri zvakarurama.Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti,“Ndaiteiko?”Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yakesebhiza rinomhanyira kurwa hondo.7Kunyange shohori riri mudengarinoziva nguva dzaro dzakatarwa,uye njiva, nenyenganyenga nekondozvinocherechedza nguva yazvo yokutama.Asi vanhu vangu havazivizvinodikanwa naJehovha.
8“ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera,nokuti tino murayiro waJehovha,”asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyorichakanyora nhema?9Vakachenjera vachanyadziswa,vachavhunduka uye vachabatwa.Sezvo vakaramba shoko raJehovha,kuchenjera kwavanako kwakadiniko?10Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume,neminda yavo kuvaridzi vatsva.Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vosevanokarira pfuma;vaprofita navaprista saizvozvo,vose vanoita nokunyengera.11Vanosunga vanga ravanhu vangusokunge duku duku.Vanoti, “Rugare, rugare,”ipo pasina rugare.12Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here?Kwete, havana kana nyadzi zvachose;havambozivi kuti zvinonyadzisa sei.Saka vachawa pakati pavakawa;vachaderedzwa pavacharangwa,ndizvo zvinotaura Jehovha.
13“ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa,ndizvo zvinotaura Jehovha.Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa.Hakungazovi namaonde pamuti womuonde,uye mashizha azvo achaoma.Zvandakavapavachazvitorerwa.’ ”
14“Ko, takagarireiko pano?Unganai pamwe chete!Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwatindofira ikoko!Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa,nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe,nokuti takamutadzira.15Takanga takatarisira rugareasi hakuna chakanaka chakauya;takatarisira kuporeswaasi paingova nokuvhundutswa.16Kufemedzeka kwamabhiza omuvengikunonzwika kuchibva kuDhani;panorira makono awonyika yose inodedera.Auya kuzoparadzanyika nezvose zviri mairi,guta navose vanogara imomo.”
17“Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu,mvumbi dzicharamba kuimbirwa,uye dzichakurumai,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu,mwoyo wangu woziya mukati mangu.19Inzwai kuchema kwavanhu vangukunobva kunyika iri kure kure:“Ko, Jehovha haazi muZioni here?Mambo waro haachimo here?”“Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo,nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20“Kucheka kwapfuura,zhizha rapera,asi tigere kuponeswa.”
21Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa;ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.22Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here?Hakuna murapi ikoko here?Seiko zvino rondaravanhu vangu risina kurapwa?