Jeremia50sna_bib

Chirevo pamusoro peBhabhironi

1Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi:2“Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi,simudzai mureza uye paridzai;musasiya kana chinhu, asi muti,‘Bhabhironi richakundwa;Bheri richanyadziswa,Merodhaki richazara nokutya.Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswauye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’3Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa,uye ruchaparadza nyika yaro.Hakuna munhu achagaramo;zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.
4“Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chetevachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.5Vachabvunza nzira inoenda kuZioni,vagotendeutsira zviso zvavo kwairi.Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha,nesungano isingaperi isingakanganwiki.
6“Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika;vafudzi vavo vakavatsausa,uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo.Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo,ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.7Ani naani akavawana akavadya;vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva,nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi,iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’
8“Tizai mubude muBhabhironi;siyai nyika yavaBhabhironi,mugoita sembudzi inotungamirira makwai.9Nokuti ndichamutsa Bhabhironiuye ndichaisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro.Vachazvigadzirira kurwa naro,uye richakundwa kubva nechokumusoro.Miseve yavo ichava semhare pakurwa,dzisingadzoki dzisina chadzakabata.10Naizvozvo Bhabhironi richapambwa;vose vanoripamba vachawana mugove wavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
11“Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa,iyemi munopamba nhaka yangu,nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo,muchirira samabhiza,12mai venyu vachanyadziswa kwazvo;ivo vakakuberekai vachanyadziswa.Vachava mudiki pandudzi, renje,nenyika yakaoma, uye gwenga.13Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi,asi richava dongo chose.Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa,uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.
14“Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi,imi mose munowembura uta.Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.15Pururudzai pamusoro pake kumativi ose!Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa,masvingo aro akoromoka.Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha,tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.16Bvisai mudyari muBhabhironi,nomucheki nejeko rake pakukohwa.Nokuda kwomunondo womumanikidzimumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake,mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.
17“Israeri makwai akaparariraakadzingirwa kure neshumba.Akatanga kumudyaakanga ari mambo weAsiria;akapedzisira kupwanya mapfupa akendiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”18Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:“Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake,sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.19Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake,uye achafura paKarimeri nepaBhashani;achadya akagutapazvikomo zveEfuremu neGireadhi.20Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“mhaka yaIsraeri ichatsvakwa,asi pachange pasina mhosva,uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa,asi hapana chichawanikwa,nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.
21“Rwisai nyika yeMarataimineavo vagere muPekodhi.Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Muite zvose zvandakurayirai.22Mheremhere yehondo iri munyika,mheremhere yokuparadza kukuru!23Yavhunika nokupwanyikaseiko nyundo yenyika yose!Bhabhironi rava dongoseiko pakati pendudzi!24Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi,uye wakabatwa usati wazviziva;wakawanikwa ukapambwanokuti wakapikisana naJehovha,25Jehovha akazarura dura rezvombondokubudisa zvombo zvehasha dzake,nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Oseane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.26Uyai murwe naro muchibva kure.Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo.Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.27Muuraye hondo diki dzaro dzose;ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo!Nokuti zuva ravo rasvika,nguva yokurangwa kwavo.28Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi,vanoparidza muZionikuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei,kutsivira temberi yake.
29“Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi,vose vanowembura uta.Rikombei rose;ngakurege kuva nounopukunyuka.Riripirei nokuda kwamabasa avo;riitireiwo sezvarakaita.Nokuti vakamhura Jehovha,Iye Mutsvene weIsraeri.30Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa;varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,”ndizvo zvinotaura Jehovha.31“Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose,“nokuti zuva rako rasvika,nguva yokurangwa kwako.32Anozvikudza achagumburwa agowa,uye hapana achamusimudza;ndichatungidza moto mumaguta akeuchapisa vose vakamupoteredza.”33Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa,navanhu veJudha vakamanikidzwawo,vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba,vanoramba kuvaregedza kuti vaende.34Asi mudzikinuri wavo ane simba;Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.Achavareverera nhaka yavonesimba kuti azorodze nyika yavo,asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.
35“Munondo pamusoro pavaBhabhironi!”ndizvo zvinotaura Jehovha,“pamusoro peavo vagere muBhabhironi,napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!36Munondo pamusoro pavaprofitavaro venhema! Vachava mapenzi.Munondo pamusoro pemhare dzaro!Vachazadzwa nokutya.37Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro,napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro!Vachava vakadzi.Munondo pamusoro pepfuma yaro!Ichapambwa.38Mvura yaro zhinji ngaipwe!Ichaoma.Nokuti inyika yezvifananidzo,zvifananidzo zvichapenga nokutya.
39“Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako,uye zizi richagara imomo.Haichazogarwizve,uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.40Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwaripamwe chete namaguta akavakidzana nawo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“saizvozvo hakuna achagarako;hakuna munhu achagara mairi.
41“Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro;rudzi rukuru namadzimambo mazhinjiari kumutswa kubva kumagumo enyika.42Vakapakata uta namapfumo;vano utsinye uye havana tsitsi.Vanotinhira segungwavakatasva mabhiza avo;vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa,kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weBhabhironi.43Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo,maoko ake akapera simba.Kutya kwakamubata,kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.44Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhaniichienda kumafuro akapfuma,ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo.Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi?Ndiani akaita seni uye ndiani achamisidzana neni?Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”45Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi,zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi:Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure;achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.46Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera;kuchema kwayo kuchanzwikwa pakati pamarudzi.