Jeremia4sna_bib
1“Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka,dzokai kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyuzvinonyangadza uye mukasarasikazve,2kana mukapika muchokwadi,nokururama uye nenzira yakarurama muchiti:‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”3Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:“Zviundirei gombomurege kudyara pakati peminzwa.4Zvidzingisirei kuna Jehovha,dzingisai mwoyo yenyu,imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema,kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto,nokuda kwezvakaipa zvamakaita,iko kupisa kusina angakudzima.