Jeremia17sna_bib
1“Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo,pahwendefa dzemwoyo yavonepanyanga dzearitari dzavo.2Kunyange vana vavo vanorangariraaritari dzavo namatanda aAsheramunyasi memiti yakapfumvutirauye napazvikomo zvakakwirira.3Gomo rangu riri munyikauye pfuma yako namatura ako osendichazviendesa kuutapwa,pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira,nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.4Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwanenhaka yandakakupa.Ndichakuita muranda wavavengi vakomunyika yausingazivi,nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu,uye kuchapfuta nokusingaperi.”5Zvanzi naJehovha:“Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu,anovimba nesimba renyamaano mwoyo unofuratira Jehovha.6Achafanana negwenzi murenje;haangaoni kubudirira pakunosvika.Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga,munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.7“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,akaisa chivimbo chake maari.8Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,unotuma midzi yawo kurukova.Hautyi kana kupisa kuchisvika;mashizha awo anogara ari manyoro.Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,uye haumboshayiwi zvibereko.”9Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,uye wakaora chose.Ndiani angauziva?10“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyouye ndinoedza ndangariro,kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake,uye zvakafanira mabasa ake.”11Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama.Pakati pamazuva ake, zvichamusiya,uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.12Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,ndicho nzvimbo yedu tsvene.13Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,vose vanokusiyai vachanyadziswa.Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu,nokuti vakasiya Jehovha,chitubu chemvura mhenyu.14Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;ndiponesei, ipapo ndichaponeswa,nokuti imi ndimi wandinorumbidza.15Vanogara vachiti kwandiri,“Shoko raJehovha riripiko?Ngarizadziswe iye zvino!”16Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro.Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.17Musava chinhu chinotyisa kwandiri;ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.18Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa;ngavavhunduswe ivo,asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa.Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi;vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.