Isaya55sna_bib

Kukokwa kwaVane Nyota

1“Uyai imi mose mune nyota,uyai kumvura zhinji;nemi musina mari, uyai,mutenge uye mudye!Uyai mutenge waini nomukakapasina mari uye pasina mutengo.2Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya,nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi?Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka,uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.3Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri;ndinzwei kuti mweya yenyu irarame.Ndichaita sungano isingaperi nemi,iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.4Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi,mutungamiri nomukuru wamarudzi.5Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva,uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri,nokuda kwaJehovha Mwari wako,Mutsvene waIsraeri,nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”6Tsvakai Jehovha achawanikwa:danai kwaari achiri pedyo.7Akashata ngaasiye nzira yake,nomunhu akaipa mirangariro yake.Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni,nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
8“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu,uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha.9“Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.10Sezvinoita mvura nechandozvinoburuka kubva kudenga,zvisingadzokerikozvisina kudiridza nyikanokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda,kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,11saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu:Haringadzokeri kwandiri risina chinhu,asi richaita zvinondifadza,uye richaita zvandakarituma.12Muchabuda nomufaro,uye muchafambiswa murugare;makomo nezvikomo zvichapururudzauye zvichaimba rwiyo pamberi penyu,uye miti yose yemindaichauchira maoko ayo.13Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini,pachinzvimbo chorukato pachamera mumite.Izvi zvichava mukurumbira waJehovha,nechiratidzo chokusingaperi,chisingazoparadzwi.”