Isaya45sna_bib

1“Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake,kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabatakuti akunde ndudzi pamberi pake,uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo,kuti ndizarure mikova pamberi pake,masuo agorega kupfigwa:2Ndichaenda mberi kwakouye ndichaenzanisa makomo;ndichaputsa masuo endarirauye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.3Ndichakupa pfuma yerima,upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda,kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri,anokudana nezita rako.4Nokuda kwaJakobho muranda wangu,nokwaIsraeri musanangurwa wangu,ndinokudana nezita rako,uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa,kunyange iwe usingandizivi.5Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe;kunze kwangu ini hakuna Mwari.Ndichakusimbisa,kunyange usina kundiziva,6kuti kubva kumabudazuvakusvikira kwarinovirira,vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu.Ndini Jehovha uye hakuna mumwe.7Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima,ndinoita rugare uye ndinosika njodzi;ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.
8“Imi matenga kumusoro, nayisai kururama;makore ngaakudonhedze pasi.Nyika ngaizaruke kwazvo,ruponeso ngarutubuke,kururama ngakukure pamwe chete narwo;ini Jehovha, ndini ndakazvisika.
9“Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.Ko, ivhu ringati kumuumbi,‘Uri kugadzirei?’Ko, basa rako rinoti here,‘Uyu haana maoko?’10Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake,‘Chiiko chamakabereka?’kana kuna mai vake,‘Chiiko chamakazvara?’
11“Zvanzi naJehovha,iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake:Pamusoro pezvinhu zvichauya,unondibvunza here pamusoro pavana vangu,kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu?12Ndini ndakaita nyikauye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo.Maoko angu pachangu akatatamura matenga;ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi.13Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu:ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame.Achavakazve guta rangu,uye achasunungura vatapwa vangu,asi pasina muripo kana mubayiro,ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”14Zvanzi naJehovha:“Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia,navaSabhea varefu,vachauya kwauriuye vachava vako;vachatevera mushure mako,vachiuya kwauri vakasungwa nengetani.Vachapfugama pamberi pakouye vachakunyengetedza, vachiti,‘Zvirokwazvo Mwari anewe,uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ”
15Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza,imi Mwari noMuponesi waIsraeri.16Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa,vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.17Asi Israeri achaponeswa naJehovhanoruponeso rusingaperi;hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi,kusvikira kumakore asingaperi.
18Nokuti zvanzi naJehovha,iye akasika matenga,ndiye Mwari;iye akaumba uye akaita nyika,ndiye akaisimbisa;haana kuisikira kuti igare isina chinhu,asi akaiumba kuti igarwe,anoti:“Ndini Jehovha,uye hakuna mumwe.19Handina kutaura ndiri pakavanda,ndichibva kumwe kunyika yerima;handina kuti kuvana vaJakobho,‘Nditsvakei pasina.’Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi;ndinoparidza zvakarurama.
20“Unganai pamwe chete muuye;unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi.Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi,vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.21Paridzai zvichauya, muzvibudise pachena:ngavarangane pamwe chete.Ndianiko akazvitaura kare,ndiani akazvireva kubva kare nakare?Handizini Jehovha here?Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari,Mwari akarurama noMuponesi;hakuna mumwe asi ini.
22“Dzokerai kwandiri mugoponeswa,imi mose migumo yenyika;nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.23Ndakapika neni pachangu,muromo wangu wakatauranokururama kwose shoko risingazoshandurwi:Mabvi ose achapfugama pamberi pangu;ndimi dzose dzichapika neni.24Vachati pamusoro pangu,‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ”Vose vakamutsamwiravachauya kwaari uye vachanyadziswa.25Asi rudzi rwose rwaIsraeriruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.