Isaya24sna_bib

Kuparadzwa kweNyika naJehovha

1Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyikaachiiparadza zvachose;achanyangadza kutarisika kwayouye achaparadzira vanogaramo,2zvichangofanana,zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu,zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda,zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri,zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi,zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa,zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.3Nyika ichaparadzwa zvachoseuye ichatorerwa zvayo zvose.Jehovha ataura shoko irori.4Nyika inooma uye inosvava,pasi pose panorwadziwa uye panounyana,vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.5Nyika inosvibiswa navanhu vayo;havana kuteerera mirayiro,vakapandukira mitemouye vakaputsa sungano isingaperi.6Naizvozvo chituko chinoparadza nyika,vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo.Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa,uye vashoma ndivo vasara.7Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava;vose vanoda mafaro vanogomera.8Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa,kupembera kwavapururudzi kwapera,rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.9Havangazonwi waini vachiimba rwiyo;doro rava kuvava kuvanwi varo.10Guta rakoromorwa rava dongo;mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.11Vochemera waini mumigwagwa;mufaro wose washanduka wava kusuwa,mupururu wabviswa panyika.12Guta rasara rava dongo,masuo aro aputswa-putswa.13Ndizvo zvazvichaita munyikanapakati pendudzi,zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi,kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.
14Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro;kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.15Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha;kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeripazviwi zvegungwa.16Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti:“Ngaakudzwe iye Akarurama.”Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri!Ndine nhamo!Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera!Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”17Kutya negomba zvakakumirirai,imi vanhu vapanyika.18Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa,achawira mugomba;ani naani anokwira achibuda mugombaachabatwa mumusungo.Nokuti mawindo okudenga azaruka,uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.19Nyika yaputswa-putswa,nyika yakamurwa napakati,nyika yozungunuswa chose.20Nyika yodzedzereka sechidhakwa,inozengaira semba iri mumhepo;kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo,zvokuti inowa, ikasazomukazve.
21Pazuva iro Jehovha acharanga masimbaomuchadenga kumusoro,uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.22Vachaunganidzwa pamwe chetekufanana navasungwa vakasungwa mugomba;vachapfigirwa mutorongovagozorangwa kwamazuva mazhinji.23Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara;nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatongapamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema,napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.