Isaya
18
/
sna_bib
Chiprofita pamusoro peEtiopia
1
Ine nhamo nyika yokutinhira
kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,
2
inotuma nhume nenzira yomugungwa,
muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura.
Endai, imi nhume dzinokurumidza,
kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera,
kuvanhu vanotyiwa kure napedyo,
rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,
rune nyika yakakamurwa nenzizi.
3
Imi mose muri pasi pose,
imi munogara panyika,
kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo,
muchauona,
uye kana hwamanda yarira,
muchainzwa.
4
Zvanzi naJehovha kwandiri:
“Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu,
samanyirinyiri omushana unopisa,
segore redova mukupisa kwokukohwa.”
5
Nokuti, kukohwa kusati kwasvika,
kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva,
achagura mabukira namapanga okurangura,
achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.
6
Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango;
shiri dzichazvidya chirimo chose,
uye zvikara zvesango
zvichazvidya muchando chose.
7
Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose,
zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera,
kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose,
rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,
rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi,
zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
share
Share
chevron_right
Next Chapter