Isaya14sna_bib
1Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi;achasarudza Israeri zvakareuye achavagarisa munyika yavo.Vatorwa vachabatana navovachanamatirana neimba yaJakobho.2Ndudzi dzichavatoradzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo.Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzikuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha.Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo,uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.3Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,4uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti:Haiwa, mumanikidzi apera sei!Haiwa, hasha dzake dzapera sei!5Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipanetsvimbo yamadzimambo,6yaakarova nayo marudzimukutsamwa nokurova kusingaperi,uye akakunda ndudzinehasha nokurwisa kusingaperi.7Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare;votanga kufara nokuimba.8Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoniinofara pamusoro pako ichiti,“Zvino zvawaparadzwa,hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”9Pasi, iro sheori razungunukakuti rinangane newe pakuuya kwako;riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai,vose vakaenda vari vatungamiri munyika;rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe,vose vakanga vari madzimambo endudzi.10Vose vachapindura,vachati kwauri,“Newewo hauchisina simba, sesu;wangofanana nesu.”11Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva,pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako;honye dzawarirwa pasi pakouye makonye anokufukidza.12Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga,iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza!Wakakandwa panyika,iyewe wakambowisira ndudzi pasi!13Wakati mumwoyo mako,“Ndichakwira kudenga;ndichasimudzira chigaro changu choushepamusoro penyeredzi dzaMwari;ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano,pamusoro pegomo dzvene.14Ndichakwira pamusoro-soro pamakore;ndichazviita seWokumusoro-soro.”15Asi waderedzwa kusvika kuguva,kwakadzika dzika kwegomba.16Vose vanokuona vanokunanʼanidza,vachafungisisa zvamagumo ako vachiti,“Ndiye here murumeuya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,17murume akaita kuti nyika ive gwenga,akaparadza maguta ayo,akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”18Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa,mumwe nomumwe muguva rake.19Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako,kufanana nedavi rakaraswa;wakafukidzwa navakaurayiwa,naavo vakabayiwa nomunondo,avo vakadzika kumatombo egomba.Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,20hauzobatani navo pakuvigwa kwako,nokuti wakaparadza nyika yakoukauraya vanhu vako.Vana vowakaipahavazotaurwi nezvavozve.21Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vakenokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo;havazosimuki kuti vagare nhaka yenyikavagozadza nyika namaguta avo22“Ndichavamukira ini,”ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.“Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi,vana vake navana vavana vake,”ndizvo zvinotaura Jehovha.23“Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizinenyika yamachawi;ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,”ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.