Isaya12sna_bib

Nziyo dzoKurumbidza

1Pazuva iro muchati,“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,kunyange makanga makanditsamwira,kutsamwa kwenyu kwakadzorwauye makandinyaradza.2Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;ndichavimba naye uye handingatyi.Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;ava ruponeso rwangu.”3Nomufaro muchachera mvurakubva mumatsime oruponeso.4Pazuva iro muchati,“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai zvaakaita pakati pendudzi,uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.5Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;izvi ngazvizivikanwe pasi pose.6Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”