Isaya10sna_bib
1Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama,neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,2kuti vadzivise varombo kodzero dzavouye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu,vachipamba chirikadziuye vachibira nherera.3Muchaita sei pazuva rokutongwa,njodzi painouya ichibva kure?Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe?Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?4Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa,kana kuwira pakati pavakaurayiwa.Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,ruoko rwake ruchakangosimudzwa.