Hosea8sna_bib

Israeri achakohwa chamupupuri

1“Isa hwamanda pamuromo wako!Gondo riri pamusoro pemba yaJehovhanokuti vanhu vakaputsa sungano yanguuye vakapandukira murayiro wangu.2VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti,‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’3Asi Israeri akaramba zvakanaka;muvengi achamutevera.4Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni;vanosarudza machinda pasina mvumo yangu.Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravokuti vagoparadzwa.5Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria!Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo.Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?6Izvi zvinobva kuIsraeri!Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri,hachisi Mwari.Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu,icho chimhuru cheSamaria.
7“Vanodyara mhepovachikohwa chamupupuri.Dzinde harina kubereka;haringabudisi upfu.Dai raizobereka zviyo,vatorwa vaizvimedza.8Israeri yamedzwa;zvino yava pakati pendudzisechinhu chisina maturo.9Nokuti vakaenda kuAsiriasembizi inongombeya yoga.Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.10Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi,ndichavaunganidza zvino pamwe chete.Vachatanga kuperezekapasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
11“Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi,idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.12Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu,asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.13Vanopa zvibayiro kwandiriuye vodya nyama yacho,asi Jehovha haafadzwi navo.Zvino acharangarira uipi hwavouye acharanga zvivi zvavo:Vachadzokera kuIjipiti.14Israeri akakanganwa Musiki wakendokuvaka mizinda;Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo.Asi ndichatumira moto pamaguta avouchaparadza masvingo avo.”