Hosea
6
/
sna_bib
Israeri inoramba kutendeuka
1
“Uyai tidzokere kuna Jehovha.
Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu,
asi achatiporesa;
akatikuvadza,
asi achasungazve mavanga edu.
2
Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza;
pazuva rechitatu achatidzorazve,
kuti tirarame pamberi pake.
3
Ngatimuzivei iye Jehovha;
ngatishingairirei kumuziva.
Zvirokwazvo sokubuda kwezuva,
achaonekwa;
achauya kwatiri semvura yomuchando,
semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
4
“Ndichaiteiko newe, Efuremu?
Ndichaiteiko newe, Judha?
Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani,
sedova ramangwanani rinopera.
5
Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu,
ndakakuurayai namashoko omuromo wangu,
kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.
6
Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,
nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7
SaAdhamu, vakaputsa sungano,
vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.
8
Gireadhi iguta ravarume vakaipa,
rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.
9
Samakororo anovandira munhu,
ndizvo zvinoita boka ravaprista.
Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu,
vachipara mhosva dzinonyadzisa.
10
Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo
muimba yaIsraeri.
Imomo Efuremu anoita ufeve
uye Israeri anosvibiswa.
11
“Nokwauriwo iwe, Judha,
kukohwa kwatarwa.
“Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
share
Share
chevron_right
Next Chapter