Hosea
11
/
sna_bib
Rudo rwaMwari kuna Israeri
1
“Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,
uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.
2
Asi pandakanyanya kuvadana,
vakatonyanya kunditiza.
Vakabayira kuna vanaBhaari
uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.
3
Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,
ndichivasesedza namaoko avo;
asi havana kuzvicherechedza
kuti ndini ndakavarapa.
4
Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,
nezvisungo zvorudo;
ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo
ndikakotama kuti ndivape zvokudya:
5
“Havangadzokerizve kuIjipiti
uye vaAsiria havangavatongi here
nokuti vakaramba kutendeuka?
6
Minondo ichapenya mumaguta avo,
ichaparadza mazariro pamasuo avo
uye ichagumisa zvirongwa zvavo.
7
Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.
Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,
haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.
8
“Ndinokuregedza seiko, Efuremu?
Ndingakuendesa seiko, Israeri?
Ndingakuitireiko saAdhima?
Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?
Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;
tsitsi dzangu dzose dzamutswa.
9
Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru
kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.
Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,
Mutsvene pakati penyu.
Handingauyi ndakatsamwa.
10
Vachatevera Jehovha;
achaomba seshumba.
Paachaomba,
vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.
11
Vachauya vachidedera
seshiri vachibva kuIjipiti,
senjiva vachibva kuAsiria.
Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Chivi chaIsraeri
12
Efuremu andikomberedza nenhema,
imba yaIsraeri nounyengeri.
Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,
kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
share
Share
chevron_right
Next Chapter