Genesisi50sna_bib
1Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda.2Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,3vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika mutumbi. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.4Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti,5‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwidze ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ”6Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”7Saka Josefa akakwidza kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti,8tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni.9Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.10Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake.11VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimi.12Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira:13Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho.14Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake.