VaGaratia1sna_bib
1Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,2nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia:3Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,4akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,5ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.