Ezekieri31sna_bib

Musidhari womuRebhanoni

1Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,2“Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?3Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;wakanga wakareba kwazvo,manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.4Mvura zhinji yakaupa zvokudya,zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.5Saka wakareba kwazvokupfuura miti yose yesango,mativi awo akawandauye matavi awo akareba,achitandavara nokuda kwemvura zhinji.6Shiri dzose dzedengadzakavakira matendere adzo pamatavi awo,mhuka dzose dzesangodzakaberekera pasi pamatavi awo;ndudzi dzose hurudzakagara pamumvuri wawo.7Wakanga uchiyevedza parunako,namatavi awo akatandavara,nokuti midzi yawo yaidzika pasikune mvura zhinji.8Misidhari yomubindu raMwariyakanga isingagoni kuukunda,uye miti yomupainiyakanga isingaenzani namatavi awo,uye miti yemipuranihayaienzaniswa namatavi awo,hakuna muti mubindu raMwariwaienzana nawo pakunaka.9Ndakauita muti unoyevedzauna matavi akawanda,muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdhenimubindu raMwari.10“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,11ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,12uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.13Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.14Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.15“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava.16Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi.17Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.18“ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”