Ezekieri3sna_bib
1Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.”2Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye.3Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu.4Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari.5Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri,6kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa.7Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara.8Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo.9Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.”10Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako.11Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.”12Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!”13Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru.14Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu.15Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko.