Ekisodho31sna_bib
Bhezareri naOhoriabhu
1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,2“Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,3uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,4kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,5kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.6Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire.“Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:7“Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,8tafura nemidziyo yayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira,9aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,10uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,11namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene.
“Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”