Muparidzi7sna_bib

Uchenjeri

1Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo,uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.2Zviri nani kuenda kuimba yokuchemapano kuenda kuimba yamabiko,nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose;vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.3Kusuwa kunopfuura kuseka,nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.4Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema,asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.5Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera,pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.6Sokuputika kweminzwa pasi pehari,ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi.Naizvozviwo hazvina maturo.7Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi,uye fufuro inosvibisa mwoyo.
8Magumo echinhu anopfuura mavambo acho,uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.9Usakurumidza kutsamwa pamweya wakonokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
10Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?”Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.
11Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka,uye hunobatsira avo vanoona zuva.12Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari,asi kunakisa kworuzivo ndokuku:kuti uchenjeri hunochengetedzaupenyu hwomunhu anahwo.13Cherechedza zvakaitwa naMwari:Ndiani angatwasanudzazvaakagonyanisa?14Kana zvinhu zvakanaka, fara;asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti:Mwari ndiye akaita izvozvozvose zviri zviviri.Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhupamusoro peramangwana rake.15Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:akarurama achiparara mukururama kwake,nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.16Usava munhu akanyanyisa kururama,kana munhu akanyanyisa kuchenjera,uchazviparadzireiko?17Usava munhu akanyanyisa kuipa,uye usava benzi.Ungada kufa nguva yako isati yakwana?18Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu,uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda.Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza mwero.
19Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjeraave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
20Hapana munhu akarurama panyika,anoita zvakanaka uye asingatadzi.
21Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu,zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,22nokuti unoziva mumwoyo makokuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.23Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati,“Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,”asi izvi zvaiva kure neni.24Chii zvacho chingava uchenjeri,chiri kure kwazvo uye chakadzama,ndiani angachiwana?25Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa,kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu,uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipanomupengo hwoupenzi.
26Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu,mukadzi anova musungo,mwoyo wake uri hunzauye maoko ake ari ngetani.Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari,asi mutadzi achabatwa naye.27Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana:“Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,28pandakanga ndichiri kutsvakaasi ndisina chandinowana,ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru,asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.29Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti:Mwari akaita vanhu vakarurama,asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”