Muparidzi12sna_bib
1Rangarira Musiki wakopamazuva ouduku hwako,mazuva okutambudzika asati auya,namakore asati aswedera pauchati,“Handioni zvinofadza maari,”2zuva nechiedza uye nomwedzinenyeredzi zvisati zvadzima,uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;3kana vatariri vemba vodedera,navarume vakasimba vokotama,kana vakuyi vorega nokuti vashoma,uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;4kana mikova yokunzira ichinge yapfigwauye maungira okukuya oderera;kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiriasi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka;5kana vanhu votya nzvimbo dzakakwiriranenjodzi mumigwagwa;kana muamanda wotumbukanemhashu yozvikwekweredzauye kuda kwose kwapera.Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi,uye vanochema vachafamba-famba munzira.6Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka;uye mbiya yegoridhe isati yaputswa;chirongo chisati chapwanyika pachitubu,uye vhiri risati raputswa patsime,7uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva,nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.8Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo!Zvose hazvina maturo!”