Amosi9sna_bib

Israeri ichaparadzwa

1Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati,“Rova misoro yembirukuti zvikumbaridzo zvizunguzike.Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose;avo vachasara ndichavauraya nomunondo.Hapana kana mumwe chete achatiza,hapana achapunyuka.2Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva,kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora.Kunyange vakakwira kumatenga,kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.3Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri,ipapo ndichavavhima ndigovabata.Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa,ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.4Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo,ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze.Ndichananʼanidza meso angu pavarikuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
5Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,iye anobata nyika igonyungudika,navose vagere mairi vagochema,nyika yose inozara seNairi,uye igoderera serwizi rweIjipiti,6iye anovaka muzinda wake kumatengaagomisa hwaro hwawo panyika,anodana mvura dzegungwaagodzidururira pamusoro penyika,Jehovha ndiro zita rake.
7“Nhai imi vaIsraeri, ko,hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here,vaFiristia kubva kuKafitorinavaAramu kubva kuKiri?
8“Zvirokwazvo meso aIshe Jehovhaari paumambo hunotadza.Ndichahuparadzakubva pamusoro penyika,asi handingaparadzi zvachoseimba yaJakobho,”ndizvo zvinotaura Jehovha.9“Nokuti ndicharayira,uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose,sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero,uye hapana kana tsangaimwe chete ichawira pasi.10Vatadzi vose pakati pavanhu vanguvachafa nomunondo,vose vanoti,‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’

Israeri inomutsidzirwa

11“Pazuva iro ndichamisazvetende raDhavhidhi rakawa.Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika,ndigovakazve matongo aro,uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,12kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomunendudzi dzose dzine zita rangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.13“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“mucheki paachapfuurwa nomurimi,uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa.Waini itsva ichadonha kubva kumakomo,uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.14Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri;vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari.Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo.Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.15Ndichasima Israeri munyika yavo voga,havangazodzurwizvekubva panyika yandakavapa,”ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.